Psalms 104

1Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
2Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo;
anotatamura matenga kunge tende
3uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji.
Anoita makore ngoro dzake,
uye anokwira pamapapiro emhepo.
4Anoita mhepo nhume dzake,
namazhenje omoto varanda vake.

5Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo;
haingatongozungunuswi.
6Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo;
mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.
7Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza,
pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza;
8yakayerera napamusoro pamakomo,
ikadzika nomumipata,
ichienda kunzvimbo yamakairayira.
9Makatara muganhu waisingadariki;
haichazombofukidzizve nyika.

10Anoita kuti matsime adire mvura mumipata;
inoyerera napakati pamakomo.
11Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura;
mbizi dzinopedza nyota yadzo.
12Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura;
dzinorira dziri pakati pamatavi.
13Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro;
nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.
14Anomeresa uswa hwemombe,
nembeu kuti vanhu vasakure,
achibudisa zvokudya kubva pasi:
15iyo waini inofadza mwoyo womunhu,
namafuta anopenyesa chiso chake,
nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.
16Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka,
iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.
17Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo;
dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.
18Makomo marefu ndeengururu;
mapako ndiwo utiziro hwembira.

19Mwedzi unotara nguva,
uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
20Munouyisa rima, usiku hugovapo,
uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.
21Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama,
uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.
22Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure;
dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.
23Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake,
kumushando wake kusvikira madekwana.

24Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko!
Makaaita ose nenjere;
nyika izere nezvisikwa zvenyu.
25Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama,
rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa,
zvipenyu zvikuru nezviduku.
26Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena,
yamakaumba kuti itambemo.

27Zvose izvi zvinotarira kwamuri
kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
28Pamunozvipa, zvinozviunganidza;
pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.
29Pamunovanza chiso chenyu,
izvo zvinovhundutswa;
pamunozvitorera mweya,
izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.
30Pamunotuma Mweya wenyu,
izvo zvinosikwa,
uye munovandudza chiso chenyika.

31Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi;
Jehovha ngaafare nebasa rake,
32iye anotarira nyika, yobva yabvunda,
iye anobata makomo obva apwititika utsi.

33Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose;
ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
34Kurangarira kwangu ngakumufadze,
pandinofara muna Jehovha.
35Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika,
uye vakaipa ngavarege kuzovapozve.

Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC